PSL inozivisa zuva rekuvambwa kwemitambo


27 Feb 24

Click here to watch video

Mitambo yenhabvu yemakwikwi eCastle Lager Premier League iri kutarisirwa kutanga svondo rekutanga reMwedzi waKurume 2024

PSL yakazivisa kuti mitambo iyi ichatangisa musi wa 9 Kurume 2024.

Pakuvamba kwemitambo iyi mwaka uno chikwata cheDynamos neHighlanders zvichatanga kutatsurana pamutambo wekutanga, uyewo chikwata che Caps United chinenge chichitamba ne Chicken Inn , FC Plutinum ichange ichitamba nechikwata chichangopinda mumakwikwi aya che Chegutu Pirates.

Nyaya dzenhandare ndicho chakange zviri chimhingamupinyi pamwaka wapera ,zvakare gore rino hazvisati zvanyatsojeka kuti dambudziko iri harisi kuzodzokorora here.

Imwe yenhandare yakange ichigadzirirwa mitambo iyi ,yeRufaro inonzi yave padanho repamusoro kuti inge ichizotambirwa mitambo iyi.

Nhandare yeNational Sports Stadium gore rapera ndiyo yakatambirwa mitambo yakawanda zvikuru nezvikwata zvemuHarare izvo zvakange zvokanganisawo chimiro chenhandare iyi.

Dynamos nezvimwe zvikwata zvakazopedzisa zvoshandisa nhandare yeBourbar fields kuBulawayo kutamba mitambo yayo yepamba.

Dambudziko rekushomeka kwenhandare dzekutambira nhabvu kodzorera kubudirira kwemutambo uyu muZimbabwe.